Accessibility links

Breaking News

Vatambi veTsiva Vovhenekwa Ropa Ravo


Munyori mukuru musangano reZimbabwe Boxing And Wrestling Control Board, Va Patrick Mukondiwa, vanoti vari kufadzwa nechirongwa chitsva chiri kukurudzira vatambi vemutambo wetsviva kuti vavhenekwe ropa kuti vaonekwe kuti vane chirwere che HIV kana Hepitatis B vasati vapihwa marezenisi anovabvumidza kukwikwidza mwaka uno.

VaMukondiwa vanoti izvi zvichabatsira kuchengetedza hutano hwevatambi vemutambo uyu. Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti zvinhu zvakanaka kuti vanoita mitambo yetsiva vaongororwe ropa ravo.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVaMukondiwa kuti tinzwe zviri kuitika mumatambo wetsiva.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG