Accessibility links

Breaking News

Mabhazi ekwaMhunga Omiswa Kufamba Mushure meTsaona

Varidzi vemabhazi ekwaMhunga vabvisa mabhazi avo mumigwagwa mushure metsaona yakaitika neSvondo mumugwagwa weHarare –Masvingo, kukafa vanhu vanodarika makumi matatu.

Iyi itsaona yechipiri yebhazi rekwaMhunga mumwedzi mitatu. Imwe tsaona yakaitika mumwedzi waKubvumbi gore rino, pakafa vanhu makumi maviri nevapfumbabwe.

Vamwe vagari vemuMasvingo vaudza Studio 7 kuti mabhazi ekwaMhunga anga achipinda muguta iri kubva kunzvimbo dzakasiyana siyana, anga achitemwa nematombo nevanhu vakashatiriswa netsoana dzanyanya dzemabhazi aya.

Vamwe vanoti izvi ndizvo zvakonzera kuti varidzi vekambani iyi vabvise mabhazi mumigwagwa. Asi Gurukota rinoona nezvekufambiswa kwezhinhu, Va Nicholas Goche, vachitaura panhepfenyuro ye ZBC, vazivisa kuti vekwa Mhunga vakanzurirwa rezinezi remabhazi avo.

Brenda Moyo weStudio7 aita hurukuro naVa Eliphas Musungwa, maneja vekambani iyi, kuti tinzwe zviri kuitika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG