Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Votarisirwa Kuita Hurukuro naVaZuma


Mutungamiri wehurumende, varizve mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vari muSouth Africa umo vari kutarisirwa kuudza sachigaro weSADC, VaJacob Zuma, nhunha dzavo pamusoro pekutyorwa kuri kuitwa chibvumirano cheGPA nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

VaTsvangirai vanonzi vari kuda kuti SADC iite musangano wechimbichimbi wekuzeya nyaya yeZimbabwe, sezvo vamwe mubato ravo vari kuti zviri nani kubuda muhurumende yemubatanidzwa pane kuoneswa chitsvuku neZANU-PF.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaJames Maridadi, vanoti vakamirira kunzwa kubva kuna VaZuma, asi mutauriri waVaZuma, VaVincent Mangwenya, vati VaZuma vanenge vakabatikana zvekuti havangaite musangano uyu mukupera kwesvondo.

Executive Secretary weSADC, VaTomaz Salamao, vanotiwo hapana musango wechimbichimbi uchaitwa weZimbabwe.

Vati nyaya iyi ichatozeyiwa muna Gunyana pamusangano weSADC wekupera kwegore. VaSalamao vakasanganawo neChishanu negurukota rezvemari, VaTendai Biti, muBotswana. Muzvare Theressa Mugadza igweta uye vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika.

Muzvare Mugadza vanoti danho riri kutorwa naVaTsvangirai rakanaka.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG