Accessibility links

Breaking News

Dare Ronzwa Nyaya yaVaMahlangu neChishanu

Mutevedzeri wegurukota rezvevechidiki, VaThamsanqa Mahlangu, vakamiswa pamberi pedare neChina vachipomerwa mhosva yekubuda mbozhanhare yemutevedzeri wasachigaro wesangano revaimbove varwiri vehondo yerusununguko, VaJoseph Chinotimba.

Gweta raVaMahlangu, VaCharles Kwaramba, vakumbira dare kuti ripe VaMahlangu mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Dare rati richapa mutongo waro neChishanu pachikumbiro ichi. Mumapepa asvitswa kudare naVaKwaramba anoti VaMahlangu vakapa mbozhanhare iyi kugurukota rezvevechidiki, Va Saviour Kasukuwere, vanhu vakasungwa mushure mekushandisa sim card raVaChinotimba, vasati vasungwa.

Mune imwewo nyaya, munyori munyaya dzezvekudzivirirwa kwe MDC mudunhu reManicaland, VaJack Robert Saunyama, vasungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga.

MDC inoti nhengo dzeZANU-PF, zvikuru vakuru mubato iri vakakundwa musarudzo dzegore rapera muManicaland, ndivo vari kuroverera nhengo dzavo nemhosva dzemanyepo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuZANU-PF. Imwezve nhengo yeMDC inomirira Chipinge South, VaMeki Makuyana, avo vakatongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi neminomwe, vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso, sezvo vari kupikisa mutongo wavakapihwa.

VaPishai Muchauraya ndivo mutauriri weMDC muManicaland. VaMuchauraya vanoti vanhu veZANU-PF havasi kufara nekukundwa kwavakaitwa musarudzo dzegore repera.

Muongorori munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabenge, avo vanochishanda nesangano reInstitute for Democratic Alternatives for Zimbabwe, vanoti mapurisa ari kushandisa mutemo mukusunga nhengo dzeMDC achisiya nhengo dzeZanu PF dzichiita pamadiro.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7....

XS
SM
MD
LG