Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Vanhu Vanokwanisa Kuratidzira

Hurumende inoti veruzhinji vava kubvumidzwa kuratidzira kana chete vakatanga vazivisa mapurisa nezvedanho iri.

Vachitaura kuvatori venhau neChipiri, makurukota ezvemukati menyika VaKembo Mohadi naVaGiles Mutsekwa vakati vakanga vaita musangano nemukuru wemapurisa VaAugustine Chihuri, vakavazivisa kuti mapurisa asarambidza vanhu vanenge vachida kuratidzira vanenge vatanga vavazivisa.

Rimwe remakurukota ezvemukati menyika, VaGiles Mutsekwa vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti pane zvizhinji zvashanduka kubva pane zvanga zviripo.

Asi sachigaro weNCA Doctor Lovemore Madhuku vanoti hapana zvitsva pane zvakaziviswa nehurumende, sezvo mutemo wavanoti unodzvanyirira vanhu wePOSA uchiri kushandiswa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG