Accessibility links

Breaking News

VaMugabe naVaTsvangirai Voparura Chirongwa Chekuregererana


Vatungamiri vemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutamabara, neChishanu vakaparura chirongwa chemazuva matatu chekunamatira pamwe nekukurudzira vanhu munyika kuti varegererane.

Hurongwa uhu huchapera nemusi weSvondo. Vachitaura pamusangano uyu, VaMugabe vati bato ravo richaita zvarinogona kuitira kuti munyika muve nerunyararo. Vatiwo vanhu vanofanirwa kutaurirana kuitira kuti kuvengana kupere.

VaTsvangirai vatiwo hurongwa hwekuregererana hunobudirira chete kana chokwadi chakaitika chikaburitswa pachena. Vatiwo chirongwa ichi chinofanirwa kuonawo kuti vanhu vakapondwa kuMatabeleland uye munguva yemhirizhonga gore rapera, vabatsirwawo muchirongwa ichi.

Asi mamwe masangano akazvimirira oga anoti haasi kutambira hurongwa hwehurumende hwekuregererana uhu, achiti uku kuda kuedza kuvanza chokwadi chakaitika pamhirizhonga yakaitika munguva yesarudzo gore rapera.

VaGlen Mpani ndivo Coordinator webazi reTranstitional Justice musangano reCentre for the Study of Violence and Reconciliation muSouth Africa. VaMpani vanoti vatungamiri vatatu ava vanofanira kuteerera kubva kuvanhu vasati vavaudza zvekuita.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG