Mubatanidzwa wemasangano akazvimira ega weNANGO washora zvikuru gwaro rinonzi rakaburitswa nemunyori weparamende, VaAustin Zvoma, iro rinonzi riri kudonongodza vanonzi vakakonzera mhirizhonga yakaitika kumusangano weAll Stakeholders Conference muHarare svondo rapera.
Mugwaro iri, VaZvoma vanonzi vanonyanyopomera mhosva kugungano remasangano rinonzi Non-State Actors Forum, iro vanoti rakakonzeresa mhirizhonga mushure mekunge rakoka vanhu vanopfuura mazana mashanu zvisingazivikanwi nevaironga musangano uyu.
Asi svondo rapera, VaZvoma pachavo vakati komiti yeparamende iri kuona nezvekunyorwa kwebumbiro idzva, ndiyo yakatadza basa, izvo zvakapa kuti kuitike mhirizhonga.
Vamwe vakapinda musangano uyu vanoti mhirizhonga yakakonzerwa
nenhengo dzeZanu PF dzichitungamirirwa negurukota revechidiki, VaSaviour Kasukuwere,
pamwe naVaPatrick Zhuwawo, uye nhengo yesangano revaimbove varwiri verusununguko, VaJoseph Chinotimba.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaZvoma, VaKasukuwere pamwe naVaZhuwawo naVaChinotimba kuti tinzwe divi ravo.
Chief Executive Officer weNANGO, VaCephas Zinhumwa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti havasi kuzoshaya hope nemashoko aVaZvoma aya, sezvo vasati vavapira nezvenyaya iyi
Zvichakadaro, MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, yashorawo gwaro rakaburitswa naVaZvoma iri. Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa vanoti VaZvoma vari kutevera Zanu PF mugwaro ravo iri nekusareva chokwadi chakaonekwa nevanhu vose.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...