Accessibility links

Breaking News

VaMugabe naVaTsvangirai Voramba Vachikakavadzana


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, uye mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vanonzi vakawirirana kuti National Security Council itange kusangana neChina choga choga.

Vakuru vemauto vanonzi vange vachinzvenganzvenga kuti vapinde mumusangano kana vachinge vadaidzwa naVaTsvangirai.

Nyaya yekuita misangano ye National Security Council, imwe yenyaya dziri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa, idzo dzinosanganisirawo nyaya yagavhuna webhanga guru renyika, muchuchisi mukuru wehurumende, kugadzwa kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima, pamwe nenyaya dzavasungwa vezvematongerwo enyika.

Nyaya idzi dzinonzi dzakataurwa nezvadzo neMuvhuro nevatatu ava, asi makakatanwa anonzi achiripo panyaya yagavhuna weRBZ uye muchuchusi mukuru wehurumende.

Nyaya idzi dziri kutarisirwa kuendeswa kuSADC neAU nevatatu ava, kunyange hazvo pasina kuwirirana kuti nzira chaiyo ingatorwa ndeipi. VaMugabe vanonzi vari kuramba kudzokera kuna mutongi gava pagakava riri muZimbabwe, VaThabo Mbeki.

MDC inoti kubvira zvakatanga hurumende yemubatanidzwa, ZANU-PF yatyora chibvumirano cheGPA kanodarika mazana manomwe. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi.

Bato iri rinotiwo nhengo dzaro dziri kuramba dzichisungwa uye kurohwa nedzeZANU-PF. VaMugabe, VaTsvangirai naVaMutambara vange vachitarisirwa kusuma dare remakurukota nezvenyaya idzi neChipiri, asi vakundikana nekuda kwekuti VaTsvangirai vaonzi vange vachimhanyira kurufu rwehanzvadzi yegurukota rezvemabasa ematunhu, Amai Theressa Makone.

VaPhilip Pasirayi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaPasirayi vanoti zvakakosha kuti VaTsvangirai vaudzwewo nezvekudzivirirwa kwenyika nevakuru vemauto pamusangano we National Security Council unofanirwa kuitwa munyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG