Accessibility links

Breaking News

MDC Inotungamirwa naVaMutambara  Yopindwa neRushambwa


MDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara yakatarisana nenguva yakaomarara zvichitevera makakatanwa ari mubato iri. Bato iri rakadzinga nhengo dzaro nhatu mudare reparamende richiti dzakatyora mitemo yebato iri.

Vakadzingwa ndiva Abednico Bhebhe - Nkayi South, Njabuliso Mguni, Lupane East, Norman Mpofu - Bulillima East, pamwe naVa Alex Goosen, nhengo ye national executive.

Vatatu ava vasati vadzingwa, munyori mukuru webato iri, Va Welshman Ncube, vakaoneswa chimoto nevatsigiri vavo kuBulawayo, avo vaiti vaneta kutungamirwa nevanhu vasingabvi kuMatabeleland.

Bepanhau reSunday News rinonzi VaNcube vakakumbira ruregerero kuvatsigiri vavo vachiti musarudzo dzinotevera, bato iri richaita kuti vanhu vanobva mudunhu iri, vakwikwidzewo muzvigaro zvepamusoro soro. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaNcube nezve nyaya iyi.

Vachitaurawo vari muBulawayo, mutevedzeri webato iri, VaGibson Sibanda, vanonzi vakatiwo vanhu vekuMatabeleland vaneta nekuitwa vatevedzeri muzvinzvimbo zvavanopihwa munyaya dzezvematongerwo enyika. VaSibanda vanonzi vakatiwo nguva yakwana yekuti vanhu vemudunhu ravo vatungamire munyaya dzezvematongerwo enyika.

Vari kuona zviri kuitika m bato iri vanoti zviri kuitika zvinoratidza kuti VaMutambara havachina vatsigiri vakawanda mubato iri.

VaMutambara varamba kutaura neStudio7 pamusoro pezviri kuitika mubato ravo, vachiti pari zvino, basa ravo nderekuvaka nyika. Vatiwo hava nguva yekutaura nezviri kuitwa mubato ravo vachiti sachigaro vekomiti inoranga vanotyora mitemo yebato, VaLyson Mlambo, ndivo vanofanirwa kupindura mibvunzo iyi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMlambo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa pa University of Zimbabwe, Va John Makumbe, vanoti mashoko aVa Ncube anonyadzisa kuti ataurwe nemutungamiri webato rinofanira kunge richitambirwa munyika yose.

Vati matambudziko akatarisana neMDC inotungamirwa naVaMutambara anoratidza kuti vari kutadza kufambisa bato zvakanaka. VaJohn Makumbe inyanzvi munyaya dzevematongerwo enyika uye vachidzizdisa paUniversity of Zimbabwe. VaMakumbe vanoti vezvematongerwo enyika havafanirwe kunge vachitaridza zvemarudzi pakutsvaga vatungamiri vavo, asi kuti kutsvaga vanhu vanotambirwa nenyika yose.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG