Accessibility links

Breaking News

Inflation Inokwira  ne 0.6% Muna Chikumi


Hurumende inoti inflation yakakwira nezvikamu 0.6% mumwedzi waChikumi, ichibva pa -1% mumwedzi waChivabvu.

Izvi zvinonzi zvakanyanyokonzerwa nekukwira kwezvinhu zvichitevera kukwira kwemutengo wemafuta ekufambisa. Central Statistical Office inoti mitengo yezvekudya haina kukwira.

Kubva pakatanga kushandiswa mari yekunze, inflation inonzi yakadzikira zvakanyanya, sezvo zvinhu zvizhinji zvava kuwanikwa muzvitoro.

VaProsper Chitambara inyanzvi munyaya dzeupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

VaChitambara vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti zvinhu zvinoratidza kuti zvichanaka kubva pakaparurwa hurongwa hwemashandisirwo emari negurukota rezvemari, VaTendai Biti, svondo rapera.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG