Sangano reNCA richitsigirwa neZCTU neZINASU, rinoti richaita musangano neMuvhuro wekuzeya mafambisirwo ari kuitwa kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.
Sachigaro veNCA, VaLovemore Madhuku, vanoti vanhu vanodarika zviuru zvitatu nemazana mashanu vachange vari pamusangano wavo we People’s convention yechipiri.
Musangano wakadayi wekutanga wakaitwa muna 1999.
VaMadhuku vanoti musangano wavo ndewekuona pamwe nekutsvaga nzira dzekuudza vanhu maipiro akaita hurongwa hunotungamirwa nehurumende. VaMadhuku vanoti vezvematongerwo enyika vane hwafu nekuti pose pavanenge vari vanenge vachitungamidza zvido zvavo.
Asi hurumende inoti uyu mukana wakanaka chose nekuti vari vari kupihwa mukana wekuisa zvinhu zvavanoona kuti zvinokodzera mubumbiro idzva remitemo yenyika.
NCA yakarungamira jurongwa hwekuramba draft constitution mureferendamu yakaitwa muna Kukadzi 2000. MDC yakatsigira hurongwa uhu.
Asi rwendo runo MDC iri muhurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...