Accessibility links

Breaking News

MDC  Yochekerwa Muvhu neZANU-PF

Zvinhu zvaita manyama amire nerongo muhurumende yemubatanidzwa mushure mekunge nhengo yeMDC inomirira Chipinge East, VaMathias Mlambo, vamiswa kupinda mudare reparamende.

VaMlambo vari kupomerwa mhosva yekuita zvemhirizhonga munguva yesarudzo uye vakatongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi. Asi vachiri kupikisa mutongo uyu mumatare. Mutemo unoti nhengo yeparamende ikatongerwa kugara mujeri kwemwedzi inopfuura mitanhatu inenge yobviswa pachigaro.

Bato reMDC rinotiwo VaMlambo vari kuronga kukwidza nyaya yekumiswa kupinda mudare reparamende kudare repamusoro.

Dzimwe nhengo dzedare reparamende dzeMDC dziri mukanwa mamupere pari zvino nenyaya dzakasiyana kumatare dzinosanganisira VaShuah Mudiwa, VaMeki Makuyana, VaTrevor Saruwaka, VaBlessing Chebundo, uye Amai Lynette Karenyi, pamwe neseneta Roy Bennet.

MDC inoti mapazi ehurumende anotungamirwa neZANU-PF ari kushandisa muchuchusi mukuru wehurumende, vatongi vematare uye mapurisa kushungurudza nhengo dzaro. MDC inoti iri kuda kuti vanhu vari kupomerwa mhosva dzekuponda vanhu munguva yesarudzo vasungwe.

Kuratidzawo kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, nemutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai, vaibata vanhu kumeso vachiti nyaya yevanhu vakavhiringidza musangano webumbiro remitemo nemuvhuro yapera, MDC inoti vanhu ava vanofanira kusungwa.

MDC inoti yakashamisika kuti nhengo yayo, Va Patrick Danga, vakasungwa mushure mekuyedza kurandutsira muzukuru waVaMugabe, VaPatrick Zhuwawo, kuti vasarove nhengo yedare yeparamende yeMDC VaAmos Chibaya. VaInnocent Gonese ndivo Chief whip weMDC mudare reparamende. VaGonese vanoti vachakwidza nyaya iyi kuSADC, sezvo Zanu PF iri kutyora chibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa.

VaJohannes Tomana ndivo muchuchusi mukuru wehurumende. VaTomana vanoti kunyange havo vachitsigira Zanu PF, basa ravo vanoriita vachitevedza mutemo wenyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG