Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoti Hurumende Inoda US$1,2 Billion

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti hurumende ichatanaga kubhadhara vashandi vayo mari dzemihoro mwedzi uno. Vachitaura muparamende pakuparurwa kwehurongwa hwemashandisirwo emari pakati pegore, VaBiti vati vawedzera mari ichashandiswa nehurumende kubva pabhiriyoni rimwe chete remadhora eku America, kusvika paUS$1, 2 billion.

VaBiti vatiwo zvinhu zvekutangisa mabhizinesi munyika zvichange zvisingabatirwe mitero kana zvichipinda munyika. Zvimwe zvezvinhu zvisingabhadharirwe mutero chikafu, mbozhanhare, makombiyuta nezvimwe zvakadaro.

Vatiwo hupfumi hwenyika huchakwira nezvikamu zvinodarika zvitatu kubva muzana.

Vamiriri vevashandi vehurumende vanoti vatambira mashoko aVa Biti nenzira dzakasiyana siyana. Vamwe vevashandi vehurumende vari kutsutsumwa kuti mari yataurwa naVa Biti havaoni ichivabatsira kuti vakwanise kurarama nemhuri dzavo nekuti ishoma.

Nyanzvi munyaya dzeupfumi dzinotiwo VaBiti vabaya dede nemukanwa nekuti vapfuurira zvanga zvakatarisirwa neveruzhinji. Va Eric Block vanoti zvataurwa naVaBiti zvikatevedzerwa, Zimbabwe inotangazve kusimuka munyaya dzehupfumi.

Va Raymond Majongwe ndivo munyori mukuru we Progressive Teachers Union of Zimbabwe, rimwe remasangano avarairidzi ari kunetsana nehurumende nepamusoro pemari dzemihoro. VaMajongwe vanoti zvaitwa naVaBiti zvinofadza vapfumi chete kwete varombo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG