Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vonakurirana Nyoka Mhenyu  paNyaya yeBumbiro reMitemo

Munyori wedare reparamende, VaAustin Zvoma, vari kukandirana nyoka mhenyu nekomiti yeparamende inoona nezvekuumbwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, zvichitevera kubvorongodzwa kwakaitwa musangano we All Stakeholders Constitutional Conference.

VaZvoma vanoti musangano uyu hauna kurongwa zvakanaka nekuti komiti yeparamende iri kuona nezvehurongwa uhu, yakaita humbimbindoga.

VaZvoma vanoti komiti iyi yakaramba kutambira mazano ayakapihwa. Asi komiti iyi inotiwo VaZvoma ndivo vakavhiringidza hurongwa uhu, uye vakashandisa vasori, kana kuti ma CIO kuti vanyore mazita evanhu vaipinda mumusangano uyu.

Zvinonzi vanhu vanodarika mazana mana vakanga vauya kumusangano uyu, havana kwekuenda sezvo vasina mari dzemabhazi kuti vadzokere kumisha yavo. Izvi zvinoburitsawo kusarongeka kwemusangano wakonzera mutauro munyika.

Mumwe wevanhu vanoti vari kushupika nekushaya rubatsiro rwekuti vakwanise kudzokera kumusha kwavo, ndaVaRaphael Hamadziripi, avo vanobva kuGweru, vanoti vakarara pamhene nekushaya chouviri.

Kunyange hazvo musangano wekuronga kuumbwa kwebumbiro remitemo yenyika idzva hwakazoenderera mberi mushure mekumbovhiringidzwa nevatsigiri veZANU-PF neMuvhuro, zvinonzi pachine kunetsana pakati peZANU-PF neMDC pamusoro pehurongwa hwese.

VaEric Matinenga ndivo gurukota rezvebumbiro remitemo pamwe nemashandiro edare reparamende.

VaMatinenga vanoti kunyange hazvo kunetsa kuripo vari kuzoenderera mberi nekunyora bumbiro idzva remitemo yenyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG