Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotarisira Zhizhinji Kubva ku Gurukota reZvemari neChina

Gurukota rinoona nezve mari, Va Tendai Biti, vari kutarisirwa kuparura mashandisirwo emari muchikamu chechipiri chegore rino. Vanoziva zviri kuitika vanoti VaBiti vachange vachiburitsa pachena mari yakawanikwa nehurumende, uye mari ichashandiswa nemapazi ehurumende.

Zvinonziwo pane hurongwa hwekuvandudza mutemo we Reserve Bank Act, kuitira kuti bhanga iri rishande nenzira kwayo. Vakawanda vari kutarisira VaBiti kuti vatange kupa vashandi vehurumende mari dzemuhoro dzinovakwanira kuti vakwanise kuchengeta mhuri dzavo.

Va Takafira Zhou ndivo mutungamiri we Progressive Teachers Union. Sandra Nyaira weStudio7 aita hurukuro naVa Zhou kuti tinzwe zvavari kutarisira kuna VaBiti mangwana.

Va Prosper Chitambara inyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda nesangano re Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

VaChitambara vanoti VaBiti vachine mutoro wekugadzirisa zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG