Sangano reNational Association of Non-Governmental Organisations, NANGO, rinoti rakanyorera tsamba kugurukota rezvemari, VaTendai Biti, richida kuti mari dzakatorerwa nhengo dzaro nebhanga guru renyika dzidzoserwe.
Gore rapera, gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, vanonzi vakatora mari zvisina mvumo kubva muhomwe dzemasangano akazvimirira. Mari yakatorwa naVaGono inonzi inosvika mamiriyoni makumi mashanu emadhora ekuAmerica.
Mutauriri weNANGO, VaFambai Ngirande, vanoti sangano ravo riri kuda kuti VaBiti pavanoparura hurongwa hwemashandisirwo emari hwepakati pegore neChina, vazivise kuti vane hurongwa hwakadii hwekudzosera mari idzi kuvaridzi vadzo.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaBiti kuti vachafambisa seyi nyaya dzemari yakatorwa naVaGono iyi.