Rimwe remakurukota ezvemukati menyika, Va Giles Mutsekwa, vanoti vachatenderera munyika svondo rinouya vachiongorora zvichemo zviri kubva kuvarairidzi zvekuti vechidiki veZanu PF vari kuita mabhesi muzvikoro, vachishungurudza vanhu.
Mabhesi aya anonzi ari ku Mudzi, Gweru, Mutare, Mt Darwin, ne Masvingo. Munyori mukuru wesangano revarairidzi re Progressive Teachers Union of Zimbabwe, Va Raymond Majongwe, vanoti vatambira nemufaro danho ratorwa nehurumende rekupinda muzvikoro vachiona zviri kuitika.
VaMajongwe vanoti mabhesi ari kutowanda muzvikoro zvekuti varairidzi havachina mufaro. Vatiwo kwanyanya mabhesi aya kuMasvingo, Mashonaland Central neMashonaland West. Asi Va Mutsekwa vanoti izvi hazvifanirwe kuitika panguva iyo nyika iri kutsvaga kuenderera mberi nerunyararo kuburikidza nehurumende yemubatanidzwa.
VaMutsekwa vanotichinangwa chavo ndechekuda kuburitsa chokwadi uye kuti mabhesi aya avharwe zvachose.
Asi nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti zviri kuitwa naVaMutsekwa zvakanaka chose, asi havaoni VaMutsekwa vachikwanisa kumisa zvido zveZanu PF.
VaFarai Maguwu ndivo mutungamiri we Centre for Research and Development. Sandra Nyaira weStudio7 aita hurukuro naVaMaguwu kuti tinzwe maonero avo.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...