Accessibility links

Breaking News

Peturu neDhiziri Zvonetsa Kuwana muNyika

Mafuta ekufambisa dzimotokari ava kunetsa kuwana munyika zvichitevera chibvumirano chakaitwa pakati pemakambani akazvimirira nekambani yehurumende inoona nezvekutengwa kwemafuta ye Noczim, chekuti mafuta ose anopinda munyika ange achishandisa pombi dzemafuta dzeNoczim.

Vari kuziva zviri kuitika munyika vanoti Noczim ndiyo yava kutenga mafuta kunze kwenyika, kuitira kuti zvisadhurire vemakambani kupinza mafuta vega munyika. Asi zvinonzi Noczim yava kukundikna kupinza mafuta anokwanira nyika, izvo zvava kupa kuti mutengo wemafuta ikwire.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rinoona nezvemhando dzemoto, Engineer Elias Mudzuri, kuti tinzwe kuti seyi hurumende yakatora danho iri.Hatinawo kunzwa kuNoczim.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti kushaikwa kwemafuta anokwanira nyika kwava kupa kuti rita rimwe chete repeturu riite US$1.55 kubva pa 55 cents.

Zvinonzi vanhu vava kugara vari mumitsetse mudzimwe nzvimbo vakamirira kutenga mafuta aya sezvo ava kunetsa kuwana.

VaLuxon Zembe inyanzvi munyaya dzehupfumi. VaZembe vaudza Patience Rusere weStudio7 kuti pakaitwa chibvumirano pakati pemakambani anotenga mafuta neNoczim kuitira kuti zvirerukire munhu wose pakupinza mafuta munyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG