Accessibility links

Breaking News

VaMugabe naVaTsvangirai Vokundikana Kuenda kuMusangano weBumbiro reMitemo

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, uye mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, havana kuzoenda kumusangano we All-Stakeholders Conference.

Zvinonzi vatatu ava vange vachityira kuti pangangoitazve imwe mhirizhonga seyakaitika neMuvhuro. Vatatu ava vakasangana neMuvhuro manheru vakashora mhirizhonga yainge yaitika. VaMugabe mbune, avo vasina kana kumbotsika gumbo ravo kumusangano uyu, vanoti zvakaitika neMuvhuro hazvifanirwe kudzokororwa zvakare.

Nyaya iyi yakatsviriridzazve mudare remakurukota neChpiri. Dzimwe nyaya dzakataurwa inyaya yekuvandudzwa kweReserve Bank Act uye nyaya yekuparurwa kwekufambiswa kwemari pakati pegore, kana kuti Mid-Term Policy kuchaitwa negurukota rezvemari, VaTendai Biti, neChina.

Dare remakurukota rinonzi rambosendeka parutivi nyaya yavainge vati vakuru vatatu ava, vavasume kuti vachapedza riini zvasaririra muhurumende yemubatanidzwa.

Nyaya dziri kuda kugadziriswa dzasara dzinosanganisira nyaya yemuchuchisi mukuru wehurumende, nyaya yagavhuna webhanga guru renyika, kugadzwa kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima, nyaya dzemagavhuna, uye nyaya dzevasungwa vezvematongerwo enyika.

Nyaya iyi yave kutarisira kuzeyiwa svondo rinouya. Vamwe vakuru muZANU-PF vaudza Studio7 kuti papera dare remakurukota, VaMugabe vabva vasimuka vakananga kumusangano weNon Aligned Movement uri kuitirwa kuEgypt.

VaJames Maridadi ndivo mutauriri waVaTsvangirai. VaMaridadi vanoti VaTsvangirai, VaMutambara pamwe naVaMugabe havana kunge vakokwa pamusangano webumbiro remitemo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG