Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotsvaga Kambani Inochera Mangoda kwaMarange


Hurumende inoti mashoko akaburitswa nemasoja ekuti haasi kuzobuda kuminda yemangoda kwaChiadzwa kwaMarange mudunhu reManicaland sekurudziro yakaitwa ne Kimberly Process, haarevi kuti havasi kuzobuda munzvimbo iyi zvachose.

Mutevedzeri wegurukota rinowona nezvezvicherwa muZimbabwe, Va Murisi Zwizwai, vanoti bazi ravo harina kupinda mumusangano wakaitwa nemasoja nemapurisa, uyo unonzi wakabuda nechisungo chekuti masoja haasi kuzobva kwaMarange sezvakatarwa nenhumwa dze Kimberly Process.

VaZwizwai vati bazi ravo riri kuenderera mberi nekutsvaga kambani yakazvimirira yega kuti ichere mangoda. Vatiwo masoja akaudzwa kuti kana kambani iyi yawanikwa, uye pava nevanochengetedza minda yemangoda iyi, masoja ose anofanirwa kubva kwaMarange.

Va Zwizwai vatiwo hurumende, sezvo iri iyo yakakoka vaongorori ve Kimberly Process kuti vauye munyika kuzoongorora zviri kuitika kwaMarange, ine chinangwa chekugadzirisa zvese zvakanyorwa mugwaro ravakapihwa nenhumwa idzi.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, Va Zvikomborero Chadambuka, avo vanoshanda ne Zimbabwe Laywers for Human Rights, vanoti Zimbabwe inofanirwa kuchengetedza mitemo uye kunzwa zvinobva kumasangano akaita seKimberly Process kana ichida kudyidzana nedzimwe nyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG