Accessibility links

Breaking News

MDC  neZANU-PF Zvotatsurana  muHurumende


Kunetsana pakati peMDC neZANU-PF mudare remakurukota kunenge kuchaenderera mberi neChitatu mushure mekunge vakuru veMDC vaita musangano neChipiri vakati havasi kuzorega mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiita madiro ajojina.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti musangano weChipiri wabuda nechisungo chekuti dare remakurukota neChitatu rinofanira kutaura nezvenyaya dzisati dzagadziriswa muhurumende yemubatanidzwa, uye zvakapa kuti mdc irege kupinda mudare remakurukota svondo rapera.

MDC haina kupinda mudare remakurukota svondo rapera ichiti VaMugabe mbune ndivo chete vaida kuita sachigaro wedare remakurukota vasingapewo mutungamiri wehurumende, vamorgan tsvangiraimmukana.

Zvinonzi VaTsvangirai vakarambawo mashoko ekuti vakakumbira ruregerero kuna VaMugabe nezvekuramwa kupinda mudare remakurukota kwenhengo dzebato ravo.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaJames Maridadi, vanoti VaTsvangirai havana kukumbira ruregerero uye vanonzwisisa kuti vamwe vavo vave kuneta nekusatevedzwa kwechibvumirano cheGPA.

VaMugabe vaimbenge vaudza bepanhau reHerald kuti VaTsvangirai vainge vakumbira ruregerero nezvekusapinda mudare rekurukota kwakaitwa nenhengo dzeMDC.

VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti vanonzwisisa kushushikana kwoita MDC nemaitiro aVaMugabe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG