Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheKimberley Process Chinoshanyira kwaMarange


Chikwata cheKimberley Process, icho chiri munyika kuti chiongorore mafambisirwo akaitwa nyaya dzemangoda kuManicaland, chashanyira dunhu iri kuti chiratidzwe migodhi iyi uye kusangana nevanhu vemunharaunda iyi.

Kimberley Process inosungira nyika dzose kuti dzitengese mangoda nenzira kwayo. Pane kufungidzirwa kuti mangoda emuZimbabwe ari kutengeswa pamukoto.

Asi bato reMDC muManicaland rinoti chikwata ichi hachisi kupiwa mukana wekushanda chakasununguka sezvo chiri kutenderedzwa nevashandi vehurumende uye vanofungidzirwa kuti vasori.

Mutauriri weMDC kuManicaland, VaPishai Muchauraya, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti pane humbowo hwekuti kwaChiadzwa kuri kuitwa zvehuwori, uye kodzero dzevanhu dziri kutyorwa nehurumende.

MDC yaburitsawo gwaro rekuramba mashoko anonzi akataurwa nemutevedzeri wegurukota rezvemigodhi, VaMurisi Zwizwai, ekuti hakuna vanhu vakapondwa kumigodhi yemangoda kwaChiadzwa.

VaZwizwai vanonzi vakataura mashoko aya kumusangano wezvicherwa kuNamibia svondo rapera.

Asi mashoko aya anopikisana nemashoko avakataura paStudio7 neChipiri.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti mashoko anonzi akataurwa naVaZwizwai haasi iwo maonero ebato iri, sezvo riri kukurudzira kuti paitwe ongororo yezvakatora nzvimbo kwaChiadzwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG