Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vamiriri veMDC Muparamende Votarisana neMatare eDzimhosva


Gweta rinoshanda riri kwaMutare, VaTinoziva Bere, vanoti vari kushushikana zvikuru nekusungwa kuri kuitwa vamiriri ve MDC mudare reHouse Of Assembly.

Nhengo dze MDC dzakaendeswa kumatare dzinosanganisira mumiriri weMutare West, Va Shuah Mudiwa, avo vakatemerwa kugara mujeri kwemakore manomwe mushure mekuwanikwa vaine mhosva yekupamba mwanasikana muna 2007, pamwe naAmai Lynette Kanyeri, avo vakabatwa nemhosva yekutyora mitemo yesarudzo.

Vamwe vane mhosva dziri mumatare mumiriri weKwekwe, Va Blessing Chebundo, avo vari kupomerwa mhosva yekubata mwanasikana chibharo, Va Trevor Saruwakwa, mumiriri weMutasa Central, pamwe naVaMattias Metewu Mlambo, mumiriri we Chipinge East.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaBere kuti tinzwe maonero avo pakusungwa kuri kuitwa nhengo dze MDC idzi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG