Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yovimbiswa Kukanganirwa Zvikwereti neFrance


Mutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vasangana neChishanu nevamwe vakuru vakuru mu France, vachiita misangano yekumutsiridza hukama hweZimbabwe nenyika iyi. VaTsvangirai vaita misangano yavo yekupedzisira murwendo rwavo rwekushanyira nyika dzakaburira.

Mushure memisangano iyi, VaTsvangirai, avo vari kufamba nemakurukota matatu anoti gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, VaElton Mangoma, gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi, pamwe negurukota rezvekubatana kweZimbabwe nedzimwe nyika, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga, vabva vasimuka muFrance vodzokera kumusha, uko vari kutarisirwa kusvika neMugovera.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaTsvangirai vasanganawo negurukota rinoona nezvemari pamwe nevamwe vatungamiri vemasangano, zvikuru akarerekera kunyaya dzerubatsiro.

Mushure memusangano wakaitwa neChina naVaTsvangirai nemutungamiri wehurumende yeFrance, VaFrancois Fillion, France yakabuda ichiti inokwanisa kunzwira Zimbabwe tsitsi pavikwereti zvainayo kunyika dziri muchikwata cheParis Club.

Zimbabwe ine chikwereti chemari inoita 400 million Euros kana kuti US$557,3m. France inoti inogona kubvisira Zimbabwe chikwereti ichi kana hurumende yemubatanidzwa ikatanga kuremekedza kodzero dzevanhu pamwe nekutevedza mitemo yenyika.

Zimbabwe iri kuda mari inodarika mabhiriyoni masere emadhora eku America yekuti zvinhu zvitange kufamba zvakanaka munyika.

VaJames Maridadi ndivo mutauriri waVaTsvangirai. Brenda Moyo weStudio7 aita hurukuro naVaMaridadi pamusoro pezvaitika muFrance.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...
XS
SM
MD
LG