Accessibility links

Breaking News

Brazil Inokunda South Africa 1-0


Brazil yakunda South Africa 1-0 pamutambo we semi final yeConfederations Cup uyo watambirwa neChina munhandare yeEllis Park muJohannesburg kuSouth Africa.

Izvi zvinoreva kuti Brazil yava kusangana mumakwikwi ekupedzisirakana kuti finals emutambo uyo neAmerica iyo yakakunda chikwata cheku Italy 2-0 neChitatu.

Mutambo uyu uchatambwa neSvondo.

Mune dzimwe nyaya dzemitambo, chikwata che cricket cheku Bangladesh chichashanyira Zimbabwe kubva musi wa 5 kusvika 19 Nyamavhuvhu.

Chikwata ichi chichatamba mitambo mishanu yema One Day Internationals muBulawayo. Mitambo iyi ichatsiva mitambo yema tri-nation series ange achitarisirwa kutambwa pakati pe Zimbabwe, South Africa ne India muna Chikunguru.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro nemuongorori wemutambo we cricket, VaBrian Goredema, kuti tinzwe makoshero akaita mitambo iyi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG