Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanosangana neVakuru muHurumende yeFrance


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vaita musangano nemutungamiri wehurumende yeFrance, Va Francois Fillion, pamwe negurukota rezve kunze kwe France, Va Bernard Kouchner.

VaTsvangirai vanonzi vatanga kusangana naVaKouchner neChina mangwanani pamwe nevesangano rinomirira vezvemabhizimisi makuru munyika iyi.

VaTsvangirai vakurudzira vemabhizinesi kuti vabatsire Zimbabwe mukumutsiridza hupfumi hwayo. Zvinonziwo France yaudza VaTsvangirai hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kuremekedza kodzero dzevanhu, uye kutevedza mitemo kuitira kuti iwane rubatsiro kubva kuFrance.

VaTsvangirai vari kushanyira nyika dzekumavirira vachiedza kumutsiridza hukama hweZimbabwe nenyika idzi, uye kutsvagira hurumende yavo rubatsiro.

Rwendo rwaVaTsvangirai ku France ndirwo rwekupedzisira parwendo rwavo rwekushanyira nyika dzakabudirira.

VaJames Maridadi ndivo mutauriri waVaTsvangirai. Brenda Moyo weStudio7 aita hurukuro naVaMaridadi kuti tinzwe zvaitika ku France.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG