Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inokohwa Chibage Chakati Wandeyi


Masangano eWorld Food Program, WFP, pamwe ne Food Agricultural Organisation, FAO, anoti chibage chakakohwewa munyika mwaka uno, chinosvika 1,14 million metric tonnes– chinova chibage chakawanda kudarika chakawanikwa gore rapera.

Nyanzvi munyaya dzechikafu dzinoti izvi zvichapa kuti vanhu vawane chikafu chakati wandeyi zvishoma kwenguva pfupi. Asi masangano aya anoti vanhu vanosvika 2,8 million vachange voda chikafu gore rinouya.

Mugwaro raburitswa nemasangano aya, WFP neFAO, anotiwo nyaya dzekushaiwa kwemagetsi munyika, mbeu yakanaka, kudhura nekushaikwa kwefotireza, mvura yekudiridzisa nezvimwe, zvichaderedza goho regorosi gore rino.

Va Roger Mpande inyanzvi munyaya dzekurima. Sandra Nyaira weStudio7 aita hurukuro naVaMpande kuti tinzwe pfungwa dzavo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG