Accessibility links

Breaking News

NCA Yosimudzira Kurwisa Kuumbwa kweBumbiro Idzva


Sangano rinorwira kuti munyika muve nebumbiro idzva remitemo yenyika rinobva muvanhu, reNCA, rinoti rava kuwedzera kupikisa kwaro nzira iri kuda kushandiswa nehurumende pakuumba bumbiro remitemo idzva.

Sangano iri rinoti rava kudzidzisa veruzhinji nezvemaipiro akaita hurongwa hwekuti hurumende itungamire kunyorwa kwebumbiro remitemo idzva.

Mazuva apera, NCA yairwisa kuti pave nehurongwa hunokurudzira kuti zvinobva muvanhu uye masangano akasiyana-siyana, zvitambirwewo pakunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Hurumende yakatotanga hurongwa hwayo hwekunzwa zvinobva muvanhu.

VaMadock Chivasa ndivo mutauriri weNCA. VaChivasa vaudza Jonga Kandemirii weStudio7 kuti sanagano ravo rakaona zvakakodzera kuti veruzhinji vazive maipiro akaita nyaya yekuti vezvematongerwo enyika vatungamire kunyorwa kwebumbiro remitemo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG