Accessibility links

Breaking News

MDC neZanu PF Zvopesana paNyaya yeBumbiro Idzva reMitemo


Paita ropa rakaipa pakati pevanhu vemuZimbabwe nenyaya yekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Vamwe vari kuti dare reparamende nevezvematongerwo enyika havanganyori bumbiro remitemo nekuti kuita izvi zvakafanana nekusiya bere rakarinda chitunha.

Vamwe vanoti basa iri rinofanirwa kuitwa nevanhu vasinei nekuzotonga vakaita semasangano akazvimirira oga.

Ukuwo Zanu-PF inoti panofanira kushandiswa bumbiro remitemo rakanyorwa kuKariba iro rinopa mutungamiri wenyika masimba akawandisa. Asi MDC inoti zvido zvevanhu ndozvi zvinofanira kuendeswa pamberi.

Blessing Zulu weStudio7 aita hurukuro negurukota rezvebumbiro remitemo, pamwe nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, pamwe naNational Director weNCA, VaEarnest Mudzengi, kuti tinzwe maonero avo akasiyana.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG