Accessibility links

Breaking News

Magweta aVaMudiwa Opikisa Mutongo weDare


Magweta ari kumirira mumiriri weMutare West muparamende, VaShuah Mudiwa, anoti akundikana kuendesa nyaya yavari kupikisa kudare repamusoro pamutongo wakapihwa VaMudiwa neMugovera.

Magweta aya ari kupikisa mutongo wakapihwa VaMudiwa avo vakawanikwa vaine mhosva yekupamba mwana ane makore gumi nemaviri muna 2007.

Vari kumirira VaMudiwa, VaDouglas Mwonzora, vanoti vari kuda kupikisa mutongo uyu, uye kuti VaMudiwa vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso. VaMwonzora vanotiwo magwaro ekumatare aVaMudiwa ambonetsa kuwana kumatare, izvo zvapa kuti nyaya iyi inonoke kukwidzwa kumatare ekumusoro

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaMwonzora kuti tinzwe zvaitika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG