Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanosangana neMutungamiri weBritain, VaGordon Brown


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasangana neMuvhuro nemutungamiri weBritain, VaGordon Brown kumahofisi avo emuna 10 Downing Street mu London.

Va Brown vati vatambira nemufaro kushanyirwa kwavaitwa naVaTsvangirai kumahofisi avo. Vatiwo hurumende yavo ichaedza nepainogona napo kubatsira vanhu vemuZimbabwe nekuti vanhu vemuBritain vagara vari vanhu vanonzwana nevanhu vemuZimbabwe, kunyange hazvo dzimwe nguva vatungamiri venyika mbiri idzi vasingawirirane mune zvimwe zvinhu.

VaBrown vati hurumende yavo ichapa Zimbabwe rubatsiro ruchaenda kuvanhu, uye icharamba ichiita izvi. Vatiwo hurumende yavo inoda kuona muZimbabwe muchiremekedzwa lodzero dzevanhu, kutevedzwa kwemitemo, kuumbwa kwebumbiro idzva mukati memwedzi gumi nemisere, uye kuitwa kwesarudzo dzakachena.

Vachitenda kutambirwa kwavaitwa naVa Brown, VaTsvangirai vati hurumende yavo iri kuedza napose painogona napo kugadzirisa zvose zviri kunetsa munyika. Vati vanhu vemuZimbabwe vakatora danho rekutaurirana kuitira kuti vapedze gakava rakanga riri munyika.

VaTsvangirai vatorawo mukana uyu kutenda VaBrown nehurumende yavo nerubatsiro rwapihwa Zimbabwe.

VaTsvangirai vari kushanyira nyika dzakabudirira vaine chinangwa chekumutsiridza hukama hweZimbabwe nenyika idzi, uye kutsvagira nyika rubatsiro. Kusvika pari zvino, VaTsvangirai vashanyira nyika dzinoti Netherlands, America, Germany, Sweden neBritain.

Vajames Maridadi ndivo mutauriri waVaTsvangirai. Ntungamili Nkomo weStudio7 aita hurukuro naVaMaridadi kuti tinzwe zvabuda pamusangano waVa Tsvangirai naVa Brown.

Sandra Nyaira weStudio7 aitawo hurukuro nenyanzvi mbiri munyaya dzezvematongerwo enyika dziri muBritain, VaJulius Mutyambizi pamwe naVaMusekiwa Makwanya, pamusoro pemusangano waVaTsvangirai nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kuBritain izvo zvinonzi hazvina kuwirirana nemutungamiri wehurumende pakurudziro yavo yekuti vanhu vadzokere kumusha sezvo Zimbabwe yanaka.

Dzimwe Nhaui Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG