Accessibility links

Breaking News

Chinyorwa cheMagweta Chounza Mutauro


Sangano remagweta rinorwira kodzero dzevanhu, reZmbabwe Lawyers for Human Rights, raburitsa gwaronhau rine mapeji mana rinotaura pamusoro penyaya dzarakamirira mumatare edzimhosva, kusungwa kwevatori venhau pamwe nemagweta.

Sangano iri rinoti magwaronhau aya, ayo anosvika zviuru zvishanu, ndeenhengo dzesangano iri uye veruzhinji vanodawo kuverenga nhau idzi.

Asi kuburitswa kwegwaro nhau iri kwaita kuti varume vaviri vanofungidzirwa kuti ndeve sangano revasori, vashanyire mahofisi esangano iri vachida kuona kuti ari kutungamira pakudhindwa kwegwaronhau iri ndiani.

Ukuwo, hofisi yemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, yakadhindawo gwaronhau rinotaura nezverwendo rwavo kunyika dzekumawirira, izvo zvamutsa mutauro kubva kumativi akasiyana siyana.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba, vanonzi vati vari kuferefeta kudhindwa kwegwaro iri.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kuhofisi yemutungamiri wehurumende, kanawo kuna VaCharamba nezvenyaya iyi. Studio7 iicharamba ichitsvakiridza zviri kuitika pamusoro pegwaro rinonzi ratosvora VaCharamba.

Rimwe remagweta esangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaOtto Saki, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti sangano ravo rine chido chekuti veruzhinji vazive zviri kuitika munyaya dzezvekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG