Accessibility links

Breaking News

Shacky Tauro Oradzikwa neMugovera kuWarren Hills muHarare


Mutambi wenhabvu aive nemukurumbira munyika, Shackman Tauro, uyo akashaya neChitatu, ari kutarisirwa kuradzikwa kuWarren Hills neMogovera masikati.

Shackman akashayikira kuchipatara cheSt Annes muHarare mushure mekurwara kwenguva pfupi.

Veruzhinji vanomuziva nezita rekuti "Mr Goals" apo aitambira Caps United pamwe nechikwata Zimbabwe National Team.

VaBrenna Msiska vakashanda pamwe chete naShackman kwenguva yakareba vari Ku Caps United.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVaMsiska kuti tinzwe nhoroondo yezvehupenyu hwemutambi uyu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...




XS
SM
MD
LG