Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorova Zvakaipisisa Mutori weNhau dzeMifananidzo


Mapurisa emuHarare neChina akasunga nekurova zvakaipisisa mumwe mutori wenhau dzemifananidzo anoshandira bepanhau re Herald apo aitora mifananidzo pairatidzira nhengo dze WOZA.

Va Regis Nyandima vakasungwa apo vayiita basa ravo ndokukandwa kumashure kwemotokari ndokuzorohwa nemapurisa pedyo nemahofisi eHerald.

Mapurisa anonzi akazokumbira ruregerero madeko eChina mushure mekunge audzwa kuti akange arohwa aiva mutori wenhau dzemifananidzo.

Kukumbira ruregerero kwemapurisa uku kwaburitswa mupepanhau reHerald neChishanu. Masangano anomirira kodzero dzevatori venhau munyika e MISA-Zimbabwe neZimbabwe Union of Journalists, ashora zvikuru kurohwa kwaVaNyandima.

VaMathew Takaona ndivo mutungamiri we Zimbabwe Union of Journalists. Sandra Nyaira weStudio7 aita hurukuro naVaTakaona kuti tinzwe pfungwa dzavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7

XS
SM
MD
LG