Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanopedza Hurukuro neNyika Dziri muEU


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakapeta neChishanu rwendo rwavo rwekuBelgium rwekuumba hwaro hwekuti Zimbabwe itange kudyidzana nenyika dziri musangano reEuropean Uniion.

VaTsvangirai vaita musangano wavo wekupedzisira muguta reBrussels nemutungamiri weEuropean Commission, VaJose Emannuel Barosso.

Mutungamiri wehurumende vanga vachitaura nevakuru vakuru vemuEU vachitsvaka nzira dzekumutsiridza hukama hweZimbabwe nenyika idzi. Zimbabwe yakarimirana kumuganhu neEU kubva muna 2002 apo nyika dzemu EU dzakaita chisungo chekutemera mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vakuru vakuru muhurumende yavo zvirango zvekufamba.

VaTsvangirai vari kutarisirwa kuita musangano nemutungamiri weBritain, VaGordon Brown, neMuvhuro. Vari kutarisirwawo kusangana naPrince Charles apo vanenge vari kuBritain. VaTsvangirai vari parwendo rwemasvondo matatu vari kunze kwenyika vachikurukura nenyika dzakabudirira kuti dzitange zvakare kudyidzana neZimbabwe.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBritain, VaMark Malloch Brown, vanoti Britain haisi kuzobvisa zvirango zviripo kudzamara VaMugabe nevamwe vavo varatidza kuti vakazvipira kuremekedza kodzero dzevanhu pamwe nekutevedza mitemo yenyika zvisina rusarura.

Asi vatiwo nyika dzekunze dzinofanira kutangawo kutambira hurumende yemubatanidzwa. VaMalloch Brown vatiwo pano neapo vanenge vachimbopa makurukota aVaMugabe mukana wekushanyira nyika yavo.

Britain yakapa vhiza gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, kuti vabatane naVaTsvangirai parwendo urwu.

VaMpofu vamwe vevanhu muZanu PF vasingabvumidzwe kushanyira Britain. VaJames Maridadi ndivo mutauriri waVaTsvangirai.

VaMaridadi vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaTsvangirai naVaBarosso vange vongozadzisa basa rakaitwa neChina rekuumba hwaro hwekudyidzana pakati penyika dziri muEU neZimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG