Accessibility links

Breaking News

Thomas Sweswe Oenda Kunotambira Kaizer Chiefs


Mutambi wenhabvu aimbotambira chikwata cheDynamos, Thomas Sweswe, uyo akanyorerana chibvumirano chemakore matatu nechikwata cheKaizer Chiefs chekuSouth Africa svondo rapera, ari kusimuka munyika neChishanu kuti anotanga kutambira chikwata chake chitsva.

Thomas anoti ari kufadzwa nechibvumirano chake neKaizer Chiefs uye achaita zvose zvaanogona kuitira kuti ave mutambi anoremekedzwa muchikwata ichi.

Thomas achange achitamba pamwe naTinashe Nengomashe, uyo anotambirawo Kaizer Chiefs.

Vatambi vakawanda vemuZimbabwe vari kutambira zvikwata zvemuSouth Africa vanosanganisira Alois Bunjira, Peter Ndlovu, James Matola, Onismo Bhasera nevamwe. Vatambi ava vari kubuda munyika vachinotsvaga mafuro manyoro kunze kwenyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG