Accessibility links

Breaking News

Vechidiki veZANU-PF  Votanga Mabasa Avo Aye


Sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, rinoti vechidiki veZANU-PF vava kuvaka mabhesi avo muzvikoro sezvavakamboita munguva yesarudzo gore rapera.

Izvi zvinonzi zvav kupa kuti varairidzi vari kumaruva vatange kutya sezvo vanhu vakawanda vakashungurudzwa nevechidiki ava gore rapera munguva yesarudzo. Zvinonzi vechidiki ava vari kuti munhu wese anofanirwa kunge ari webato reZanu PF.

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti vechidiki veZANU-PF vava kugara pazvikoro munzvimbo dzakaita seMasvingo, Mt Darwin, Goromonzi, Gokwe kuMberengwa nedzimwe nzvimbo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi regurukota rezvedzidzo, VaDavid Coltart, uye kuti bazi ravo riri kutora seyi chiiitiko ichi. Studio7 haina kukwanisawo kunzwa divi reZanu PF.

Mashoko ePTUZ anotsinhirwawo nebato reMDC iro rinoti rine humbowo hwekuti vechidiki vatanga mabasa zvo ekutyiisidzira vanhu.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaZhou kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu muzvikoro.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG