Accessibility links

Breaking News

Germany Inopa Zimbabwe US$35 Million muRwendo rwaVaTsvangirai


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasangana neMuvhuro nemutungamiri weGermany, Amai Angela Merkel, pamusangano waitirwa muguta re Berlin kuGermany. Mashoko ari kubva kuBerlin anoti Amai Merkel vavimbisa kubatsira Zimbabwe, kunyange hazvo rubatsiro rwakawanda ruchapihwa Zimbabwe kana hurumende yachinja muitiro wayo.

Vachitaura nevatori venhau muBerlin, VaTsvangirai vati vafadzwa zvikuru nedanho ratorwa nemutungamiri weGermany, uyo ari kuvimbisa kuwedzera rubatsiro rwekupa Zimbabwe. Amai Merkel vati VaTsvangirai munhu anoonekwa senzira yeshanduko muZimbabwe.

Amai Merkel vatiwo Germany inoda kuona shanduko panyaya dzeminda kuitira kuti ibatsire Zimbabwe nemari, pamwe nekupa hunyanzvi munyaya dzebudiriro.

Germany, iyo yapa Zimbabwe mari inoita mamiriyoni makumi matatu nemashanu emadhora ekuAmerica, yakanga yamisa kupa rubatsiro kuhurumende yeZimbabwe, zvekuti gore rapera, yakangopa chete Zimbabwe mari inoita 10,4 million Euros yekubatsira vanhu vanotambura.

VaTsvangirai vanoti Germany yagara yakataura kuti inoda kuona shanduko yechokwadi munyika, kuitira kuti ichitanga kubatsira hurumende yemubatanidzwa. VaTsvangirai vati vachaedza nepavanogona napo kugadzirisa zvose zviri kunetsa munyika, kuitira kuti Zimbabwe idyidzane nenyika dzepasi rose. Vatiwo vari kufamba kunyika dzakanga dzamisa hukama hwadzo neZimbabwe kuitira kuti vamutsiridze hukama uhu.

Mutungamiri wehurumende atiwo haana kutumwa naVaMugabe kunotsvagira nyika rubatsiro, kana munhuwo zvake kuti vazogadzirisa chimiro chenyika. Vati zvose izvi zvinhu zvavari kuita sezvo vari kuda kuona Zimbabwe itsva inowanira vanhu vayo mabasa, chikafu pamwe nekugara kwakanaka pasina anovambunyikidza.

Gurukota rinoshanda riri muhofisi yaVaTsvangirai, VaGorden Moyo, vatiwo vari kufadzwa nezvaitika ku gwermany.

VaTsvangirai vari kutarisirwa kusanganawo nemutungamiri weBritain, VaGordon Brown, mutungamiri we France, Va Nicolas Sarkoy, pamwe nevatungamiri venyika dzinoti Sweden, Denmark, Belgium, Norway nedzimwe murwendo rwavo rwemasvondo matatu vari kunze kwenyika.

VaTsvangirai vari kuperekwedza nemakurukota matatu anoti gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, Va Elton Mangoma, gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Va Walter Mzembi, pamwe negurukota rezvekubatana kweZimbabwe nedzimwe nyika mumatunhu akasiyana siyana, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti VaTsvangirai vari kutora gwara rakanaka rekumutsiridza hukama hweZimbabwe nedzimwe nyika.

VaJames Muzondidya inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda sechipangamazano musangano re Human Sciences Research Council of South Africa. VaMuzondidya vanoti VaTsvangirai pavari kusangana nevatungamiri venyika dzakabudirira, vanofanirwa kuburitsa chokwadi chezviri kuitika munyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...




XS
SM
MD
LG