Accessibility links

Breaking News

Chimwe Chikwata cheIMF Choshanyira Zimbabwe


Chimwe chikwata chenyanzvi dzekuInternational Monetary Fund, IMF, chiri kutarisirwa kupinda muZimbabwe mukupera kwesvondo, kuitira kuti chiongorore mamiriro enyaya dzeupfumi muhurumende yemubatanidzwa.

Mumwe mushandi weIMF asina kuda kudomwa nezita audza Studio7 kuti chikwata ichi chichange chichitungamirwa naVaVitaliy Kramarenko, uye chichagara munyika kusvika kupera kwemwedzi.

Zvimwe zvichaongororwa nechikwata ichi hurongwa hwemari ichashandiswa nehurumende uho huchaturwa mwedzi unouya, kushandiswa kwemari dzakasiyana siyana munyika, uye kuwanikwa kwemari dzemitero inobviswa nevashandi pamwe nemakambani.

Chikwata ichi cheIMF ndechechitatu gore rino kushanyira Zimbabwe. Pari zvino munyika mune chimwe chikwata chiri kuita hurukuro pamusoro pehurongwa hwemari dzemitero.

IMF inogara yakataura kuti dzihurumende pasi rose dzinofanirwa kushandisa mari dzinobva kumitero mukufambisa mabasa ehurumende ose, kwete kuti dzirarame nemari dzerubatsiro.

Doctor Godfrey Kanyenze inyanzvi munyaya dzehupfumi uye vachitungamira sangano reLabour and Economic Research Institute of Zimbabwe.

VaKanyenze vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti rwendo rwe IMF rwakakosha zvikuru kunyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG