Accessibility links

Breaking News

Zvikwata Zviri muPSL Zvochema neMitambo yeKutanga kweSvondo


Zvimwe zvikwata zviri musangano rePremier Soccer League zvinoti hazvisi kufadzwa nekushaikwa kwenhandare dzekutambira nhabvu kuri kuitika munyika pari zvino, izvo zviri kuita kuti mimwe mitambo itambwe neMuvhuro kana Chipiri.

Zvikwata izvi zviri kukurudzira Premier Soccer League kuti igadzirise zvinhu sezvo vanhu vashoma vari kuenda kunoona mitambo yenhabvu inoitwa mukutanga kwesvondo. Nepamusana pekuti vanhu vari kuona kunoona mitambo iyi vashoma, izvi zviri kupa kuti zvikwata zvakawanda zvirasikirwe nemari inobadharwa pamagedhi.

Murairidzi mukuru wechikwata cheKiglon, iyo iri kutamba ne Black Rhinos neChipiri, VaCollins Mahara, vanoti ichokwadi kuti zvikwata zviri kurasikirwa nemari pazvinotamba pakutanga kwesvondo.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVa Mahara kuti tinzwe pfungwa dzavo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG