Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanosangana naVaObama muWashington DC


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vaita musangano nemutungamiri weAmerica, VaBarack Obama masikati eChishanu.

VaTsvangirai vaudza VaObama mamiriro akaita zvinhu munyika, uye vakumbirawo rubatsiro rwekuti Zimbabwe iwane mari.

VaTsvangirai vaudzawo VaObama hurongwa hwehurumende hwekugadzirisa nyaya dzekodzero dzevanhu, kuremekedzwa kwemutemo, uye kuitwa kwesarudzo dzakachena.

VaObama vati vapa Zimbabwe mari inoita mamiriyoni makumi manomwe nematatu emadhora ekuAmerica, uye hurumende yavo icharamba ichibatsira Zimbabwe munyaya dzechikafu, mishonga nezvimwe zvinobata vanhu muhupenyu.

Vatiwo huumende yavo iri kuda kuona Zimbabwe ichiremekedza kodzero dzevanhu, kutevedza mitemo pamwe nekuona kuti vanhu havasi kumbunyikidzwa.

VaObama vati vanoyemura zvikuru basa riri kuitwa naVaTsvangirai mukurwira kodzero dzemunhu wese wemuZimbabwe.

Musangano weChishanu, unotevera musangano wakaitwa naVaTsvangirai negurukota rinoona nezvekunze kweAmerica, Amai Hillary Clinton neChina.

Dare reseneti muAmerica rakatiwo neChipiri zvirango zvakatemerwa vakuru vehurumende zvicharamba zviripo, asi America ichabatsira nyika nezvekudya pamwe nekupa mari kumapazi ezvedzidzo, hutano uye mvura.

Asi seneti inoti haisi kuzobatsira mauto, mapurisa nevasori. Izvi zvinoratidza kuti hurumende yeAmerica, iri kunyevenutsa pashoma nepashoma zvimwe zvirango zvayakatemera hurumende yeZimbabwe. Kubva kuAmerica, VaTsvangirai vari kutarisirwa kuenda kuGermany, France, Britain, Sweden neBelgium vachitsvagira nyika rubatsiro.

VaTsvangirai vari kuperekwedza nemakurukota matatu anoti gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, Va Elton Mangoma, gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Va Walter Mzembi, pamwe negurukota rezvekubatana kweZimbabwe nedzimwe nyika mumatunhu akasiyana siyana, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti ZANU-PF inofanira kumira kumbunyikidza vanhu kuitira kuti nyika iwane rubatsiro.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG