Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoenda ku Musangano we World Economic Forum


Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika kumusangano we World Economic Forum, uyo uri kuitirwa mu Cape Town kuSouth Africa. Zimbabwe iri kumirirwa kumusangano uyu negurukota rezvemari, VaTendai Biti, mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, pamwe negurukota rinoshanda riri muhofisi yemutungamiriri wehurumende, VaGorden Moyo. Musangano uyu wakatanga neChitatu.

VaBiti vari kutarisirwa kusangana nevaimbova munyori mukuru we United Nations, uye vari sachigaro we World Economic Forum, Va Kofi Annan. Vaviri ava vanonzi vachazeya nyaya yeZimbabwe, zviri kuitika nekupangana mazano kuti nyika yobatsirwa sei kuti ivandudze hupfumi hwayo.

Nyika dzemuAfrica dziri kukurudzirwa kuti dzitore matanho ekugadzirisa zvinhu zvinotadzisa makambani makuru kuita mabhizinesi mudunhu iri.

Africa ndiyo iri pasi penyika dzose pasi rino munyaya dzekubudirira kunyange hazvo iine hupfumi hwakawandisa. Nyaya iyi nedzimwe dzekuti Africa yophihwa sei zvigaro zvine masimba mumasangano makuru akaita se World Bank, International Monetary Fund nemamwe, dzichataurwawo nezvadzo pamusangano uyu wemazuva matatu.

Va Prosper Chitambara inyanzvi munyaya dzehupfumi uye vachishanda nesangano re Labour and Economic Development Research Institute.

Sandra Nyaira weStudio7 aita hurukuro naVaChitambara kuti tinzwe pfungwa dzavo pane zviri kuitika mu Cape Town.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG