Accessibility links

Breaking News

MIC Inonzi Iri Kunze kweMutemo neDare


Dare repamusoro re High Court ratura mutongo wekuti bazi rehurumende riri kuona nezvekunyoreswa kwevatori venhau pamwe nemasangano anoburitsa nhau re Media and Information Commission, kana kuti MIC, riri kushanda zviri kunze kwemutemo.

Dare iri ratura mutongo uyu zvichitevera nyaya yakakwidzwa kudare nevatori venhau vanoshanda vakazvimirira avo vanga vachigunun'una kuti havafanire kunyoresa kusangano iri kuti vanotore nhau kumusangano weCOMESA, uyo uri kuitirwa kuVictoria Falls.

Mutongi wedare, VaBharat Patel, vati kubva muna Ndira gore rapera pakavandudzwa mutemo unowona nezvekubuditswa kwemashoko, we Access to Information and Protection of Privacy Act, uye pakavandudzwa bumbiro remitemo yenyika gore rapera, MIC yange yave kushanda zvisiri pamutemo.

Va Patel vatiwo MIC inofanira kutsiviwa ne sangano re Zimbabwe Media Commission iro rakaumbwa pakavandudzwa mutemo wenyika.

Gweta ranga richimirira vatori venhau ava, VaSelby Hwacha, vaudza dare kuti MIC haifanire kunge ichipa vatori venhau marezeresi sezvo yave kushanda zvisiri pamutemo.

Asi muchuchisi wehurumende, Amai Mercy Chiroodza, vaudza dare kuti vanobvuma kuti MIC iri kushanda zvisiri pamutemo, asi yanga ichienderera mberi nekunyoresa vatori venhau sezvo pasati paumbwa boka riri pamutemo rinoita basa iri. Vati vatori venhau havafanire kuita madiro ajojina nokuti hapana bazi riri pamutemo rati raumbwa kuti rivape marezeresi. Asi mutongi wedare haana kutambira izvi.

VaPatel vatiwo MIC haifanire kuramba ichiita basa iri uye bazi rehurumende rinoona nezvekuburitswa kwemashoko kana ani zvake, haafanire kurambidza vatori venhau kuita basa ravo sezvo nhengo dze Zimbabwe Media Commission dzisati dzadomwa.

Vatori venhau vanoti Stanley Gama, Stanley Kwenda, Jealous Mawarire, Valentine Maponga, vakakwidza nyaya iyi kumatare zvichitevera kuziviswa kwakaitwa nebazi rinoona nezvekuburitswa kwemashoko kuti vatori venhau vaifanira kunyoresa ku MIC kuti vakwanise kunotapa nhau kumusangano weCOMESA uri kuitirwa kuVictoria Falls.

Mutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, avo vanga vakadomwa mumagwaro anga ari pamberi pedare, vatumira affidavit ranga richipokana nemashoko akaburitswa nebazi rezvekuburitswa kwemashoko ekuti vatori venhau vanyorese kuMIC.

Mu affidavit ravo ravatumira vari kumusangano weCOMESA uyu, iro raturwa kudare, Va Tsvangirai vati vakaita musangano negurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Va Webster Shamu, pamwe nemutevedzeri wavo, VaJameson Timba, apo vakakomekedza bazi rezvekuburitswa kwemashoko kuti risaenderera mberi nezvarainge razivisa mumapepanhau zvokuti vatori venhau vonyerese kuMIC.

Asi bazi iri harina kutevedzera zvainge zvataurwa nemutungamiri wehurumende. Mutongo wapihwa nedare unoreva kuti vatori venhau vanokwanisa kuita basa ravo vasina kunyoresa kuti vaite basa iri.

Sangano re MIC rakaumbwa mugore ra2002 nevaimbove gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, avo vakadzika mitemo yekuomesera vatori venhau.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG