Accessibility links

Breaking News

VaMutambara Vanoti Nyika Inofanira Kudyidzana neNyika Dzose Kwete dzeKumabvazuva Chete


Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende VaArthur Mutambara neChitatu vakaparura hurongwa hwehurumende hwekuvandudza makambani pamwe nezvivakwa zvenyika zvavati ndizvo zvichaita kuti hupfumi hwenyika husimukire.

VaMutambara vanoti hurumende yemubatanidzwa yavakusiyana nenyaya yekutarisa kumabvazuva kana kuti Look East Policy.

Mutori wenhau weStudio 7 Thomas Chiripasi anoti vaMutambara vaudza vatori venhau pamahofisi avo paMunhumutapa, kuti Zimbabwe yavakufanira kusiyana nenyaya yekutarisa kunyika dzekumabvazuva chete dzakaita seChina vachiita yasvika zvino nguva yokuti Zimbabwe idyidzane nepasi rose.

VaMutambara vati kutarisa kumabvazuva chete” hubenzi” sezvo idzo nyika dzekumbavazuva dzichidyidzana nenyika dzekumavirira. VaMutambara vanoti kuti Zimbabwe ikwanise kuwana rubatsiro uye kuti dzimwe dziuye kuzosima mari munyika, hurumende inofanira kuwumba chimiro chakanaka.

Vatiwo zvivakwa zvenyika zvinofanira kuvandudzwa kuitira kuti dzimwe nyika dzigokwezvwa kuzosima mari dzadzo munyika.Gurukota rinowona nezvezvivakwa Amai Theresa Makone vati hurumende ine hurongwa hwekugadzirisa mugwagwa unobva kuHarare uchienda kuBeitbridge sezvo iriyo nzira inoshandiswa zvikuru mukutakurwa kwezvinhu zvinopinda muZimbabwe zvichibva kuSouth Africa pamwe nezvinopfuura kuenda kune dzimwe nyika.

Vati hurumende irikutsvaga vekunze vanokwanisa kugadzira mugwagwa uyu vozotora mari yavo kubva kumari ichabhadhariswa vedzimotokari pama Toll Gates vachange vachishandisa mugwagwa uyu pasi pechirongwa cheBuilt, Operate and Transfer kana kuti BOT.

Kuparurwa kwegwaro rePrivate and Public Partnerships Workshop Report kunotevera musangano wakapindwa mwedzi wapera muHarare nemakurukota ehurumende yemuno, ana mabharani vehurumende yemutanidzwa pamwe nevamiriri vehurumende yeSouth Africa.

Musangano uyu wakakurudzira hurumende kuti itsvage nzira dzingaita kuti vekunze vakwanise kuzosima mari yavo muno uye kuti zvivakwa zvenyika zvivandudzwe.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG