Accessibility links

Breaking News

Mutongi WeHigh Court Anoti VaNkomo Vabviswe Papurazi ReJijima


NeChipiri, mutongi wedare repamusoro reHigh Court Justice Francis Bere vakapa mutongo wekuti vehofisi yaDeputy Sheriff vabvise sachigaro weZanu PF uye vari gurukota muhofisi yemutungamiri wenyika VaRobert Mmugabe, VaJohn Nkomo, paJijima Lodge iri kuLupane.

VaNkomo vanonzi vakatora zvechisimba Jijima Lodge kubva kunamuzvinabhizimusi VaLangton Masunda.

Mugore ra2006, Justice Bere vakapikisa danho rekuda kubvisa VaMasunda paJijima Lodge nekuvatorera matsamba anovabvumidza kugara papurazi iri, rakanga ratorwa naVaDidymus Mutasa, avo vaive gurukota rezveminda.

Mwedzi wapera, muninina waVaMasunda akapfurwa nemapurisa aVaNkomo aive papurazi apa.

VaMasunda vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanotarisira kuti mapurisa nezvikonzi vacharemekedza mutongo waVaBere uyu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG