Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Votsvakira Nyika Rubatsiro


Mutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai vari kutarisirwa kushanyira America nenyika dzemuEurope kuti vanopemhera hurumende mari yekubatsirikana.

VaGorden Moyo gurukota rinoshanda muhofisi yaVaTsvangirai vaudza Studio 7 kuti mutungamiri wehurumende nemamwe makurukota ehurumende vari kutarisirwa kusimuka mukupera kweMugovera.

Hurumende iri kunetseka zvikuru kuwana mari yekubatsirikana zvapa kuti itadze kupa vashandi vayo mari dzemihoro.

VaJoy Mabenge vanongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMabenge vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaTsvangirai vanokwanisa kuti vekunze vasungure homwe.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG