Accessibility links

Breaking News

United Nations Yopemhera Zimbabwe Mari Inoita US$718 Million


Sangano reUnited Nations raparura neMuvhuro chirongwa chekutsvagira Zimbabwe mari inosvika mamiriyoni mazana manomwe ane gumi nemasere emadhora ekuAmerica, kana kuti US$718 million. Mari iyi ichashandiswa mukubatsira vanhu vemuZimbabwe kuitira kuti vawanirwe zvinhu zvakaita sechikafu, mishonga pamwe nekugadzirisa zvinhu mubazi rezvedzidzo.

Sangano iri rakange ramboparura gore rapera hurongwa hwekutsvagira Zimbabwe mari inoita mamiriyoni mazana mashanu nemakumi mashanu emadhora ekuAmerica, kana kuti US$550 million pasi pechirongwa chayo che Consolidated Appeal Process, kana kuti CAP. Asi iri rinoti rakazxoongorora zvakare huwandu hwemari inodiwa kushandiswa mukubatsira vanhu vemuZimbabwe, izvo zvapa kuti ribude nehuwandu hutsva hwemari iyi.

Hurumende yemubatanidzwa yakatarisana nedambudziko guru rekuwanira vanhu vemuZimbabwe zvinhu zvakaita semishonga, chikafu, kubhadharira vanoshaya mari dzechikoro, sezvo hupfumi hwenyika huchiri kumawere.

Masangano akawanda ari kuti achabatsira vanhu vemuZimbabwe kwete hurumende yemubatanidzwa kudzamara yava kuratidza kuti inoremekedza kodzero dzavanhu.

Sangano reNational Association of Non-Governmental Organisations, NANGO, rinoti mari iri kutsvagirwa Zimbabwe ikawanikwa, inogona kubatsira nyika zvikuru, kana hurumende yemubatanidzo ikasaita zvehuori.

VaFambai Ngirande ndivo mutauriri weNANGO.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaNgirande kuti tinzwe mafungiro avo pahurongwa hwe United Nations hwekutsvagira Zimbabwe mari yerubatsiro.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG