Accessibility links

Breaking News

Musangano we MDC Unobuda neZvisungo


Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, riri kukurudzira SADC kuti idaidzire musangano wechimbichimbi, kuitira kuti igadzirise zvinetswa zvasarira muhurumende yemubatanidzwa.

MDC inotiwo munyika munofanirwa kuitwa sarudzo dzakachena mushure mekuumbwa kwebumbiro remitemo yenyika rinobva muvanhu. Izvi zvimwe zvezvisungo zvakabuda nebato iri pamusangano wemazuva maviri wakaitirwa muHarare mukupera kwesvondo.

Pazvisungo izvi, izvo zvinodarika gumi, MDC iri kukurudzirawo kuti hurumende yemubatanidzwa ibatsire vakashungurudzwa munyaya dzezvematongerwo enyika, uye pave nehwaro hwechirongwa chekupodza maronda.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC uye vari gurukota rezvehunyanzvi mukufambiswa kwemashoko. VaChamisa vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti bato ravo rinoda kuona vanhu vakaparadazirwa misha nemidziyo yavo vachidzoserwa pamagariro avo pasina anovamanikidza kuita zvavasingadi.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vachitungamira sangano reCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, vanotiwo danho rakatorwa neMDC rekudzosera nyaya yanetsa kuSADC, ndiyo chete nzira inokwanisa kutorwa nebato iri sezvo SADC iri iyo muridzi wenyaya.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG