Accessibility links

Breaking News

Sangano reCOMESA Rotanga kuVictoria Falls


Nyika gumi nepfumbamwe dziri musangano rinoona nezvekutengeserana munyika dziri kumabvazuva pamwe nekuchamhembe kwe Africa, re COMESA, dziri kusangana ku Victoria Falls muZimbabwe kuti dzizeye nzira dzekudyidzana.

Vanyori vemapazi ehurumende vari kusangana pari zvino vachizeya nyaya dzinofanirwa kugadziriswa vatungamiri venyika idzi vasati vatanga kupinda mumusangano uyu musi wa 6 kusvika musi wa 9 Chikumi.

Musangano uyu uchatarisirwawo kuparura hurongwa hwe COMESA Customs Union, uho hucharerutsira nyika dziri musangano iri pakutengeserana.

Zimbabwe yakakundikana kuita musangano uyu gore rapera, sezvo munyika maive nemhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Vanhu vanodarika chiuru nemazana mashanu vachange vari pamusangano uyu vachimirira dzihurumende, pamwe nemasangano akaita se World Bank, International Monetary Fund, United Nations, Commonwealth, African Union, European Union nemamwe.

VaDennis Nikisi ndivo mutungamiri we Graduate School of Management pa University of Zimbabwe.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaNikisi kuti tinzwe maonero avo musangano weCOMESA uyu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG