Accessibility links

Breaking News

VaZuma Vodaidzwa Kuti Vapindire paGakava reMDC neZanu-PF


MDC inoti yakanyora tsamba kuna sachigaro weSADC, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, pamwe neku African Union, ichida kuti nyaya dzanetsa muhurumende yemubatanidzwa dzigadziriswe.

Zvikwata zviviri zveMDC ndizvo zvakakwidza nyaya iyi. Asi ZANU-PF inoti haina chokuita netsamaba iyi, sezvo iri kuti dare rayo rePolitiburo ritange razeya nyaya iyi neChina.

Nyaya dzakwidzwa kuSADC neAU neMDC inyaya dzagavhuna webhanga guru renyika, muchuchusi mukuru wehurumende, pamwe nezviri kunetsa pakugovanwa kwemagavhuna ematunhu.

Kunyange hazvo VaTsvangirai vaimbenge vati vawirirana naVaMugabe, ZANU-PF yave kuti hapana chibvumirano chakati tsvikiti chakabvumiranwa.

ZANU-PF inoti haina kubvuma zvekuti MDC inotungamirwa naVaTsvangirai itore magavhuna mashanu, ZANU-PF mana uye MDC yaVaMutambara mumwe.

ZANU-PF inoti izvi zvikaitwa inoda kupihwa chimwe chigaro chegurukota rinoshanda riri muhofisi yemutungamiri wenyika, kana kuti yotora mashanu, MDC inotungamirwa naVaMutambara yoshaya.

MDC iri kutarisirwawo kutaura nezvenyaya dziri kunetsa pamusangano wepagore uri kuitwa neChishanu muHarare. VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC.

VaChamisa vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti nyaya yekuti vakwira dare voga inoratidza kuti hapana kuwirirana kuri kuitika muhurumende yemubatanidzwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG